1. Panogara Yesu Kristo
Panogara Yesu Kristo, musakaramende sande
Ndipo pandinoda kuzorora
Ndipo pamwoyo waYesu wangu
Madetembo:
1. Panoreva vatadzi napakare Kirike, pochenesa vana vake nokuzvipa
kunesu
2. Panofundisa mweyawo kana uchikonona, anounyaradza kwazvo,
unosimbiswa patsva
3. Kana muchidyo chomweya azvipira kunesu, totambira mbuva yedu,
muteuro chokwadi
2. Pakutanga Izwi
Pakutanga iizwi akanga atovapo — izwi akanga atovapo
Madetembo:
1. Pakutanga-tanga, pasi chigare, kwakanga kuina izwi
Chorus:
Izwi akava munhu, akagara nesu — munhu akagara nesu
2. Izwi aigara naMwari uye Izwi ndiye Mwari
3. Izwi akazoburuka, akagara nesu
4. Johane akanga ari chapupu chechiedza
5. Iye akanga asiri chiedza
6. Uyu ndiye andaireva, ndichiti: “Achauya mushure mangu”
7. Ndiye akazoitawo kuti Baba vazivikanwe
3. Ndakafara Ndakafara
Ndakafara-a, ndakafara vanhu vachiti kwandiri
Handeyi kuimba yaTenzi ndiko kunoenda marudzi emhuri dzalsraeri
vachindovonga Tenzi sezvaakavaraira
Madetembo:
1. Nokuti ndiko kunotongerwa mhosva, ndiko kunogara Mambo achitonga
vanhu vake
Chorus:
Saka zvino tsoka dzedu dzatsika mumazambara ako iwe, iwe Yerusarema
guta rakadzorerwa, ndafara tsoka dzedu dzatsika
2. Kumbirirai Yerusarema kuti rive norugare vanokuda ngavabudirire
3. Runyararo ngaruve norusvingo rwako, norugare ngaruve mumizinda
yako
4. Ndinokunamatira kuti ubudirire pamusana peimba yaTenzi Mwari wedu
4. Nhume dzaMwari rumbidzai Mambo
Nhume dzaMwari rumbidzai Mambo
Chorus:
Imi nhume-e nhume dzaMwari imi nhume rumbidzai Mambo
Madetembo:
1. Ndimi nhare dzine simba munoterera sho-ko ra-ke
2. Rumbidzai Mambo imi hondo dzake, imi vashumiri vake
3. Pamberi pechiso chenhume ndinoda kukuimbirai Mwari
4. Ndinokupfugamirai- nokukudza mumba menyu Mwari
Click below to play a song